Sunday, December 27, 2009

Shoko reBhabheri

Shoko reBhabheri

1. Shoko reBhabheri rinotaura nezvoupenyu husingaperi. Upenyu husingaperi hunoreva zvizhinji kupfuura hwemangwana. Upenyu uhwu husingaperi hunowanikwa neavo vanotenda muna Jesu Kristu. Hune chivimbisowo chokuramba huripo kana upenyu hwepanyika hwapfuura.

2. Mwari akazvizivisa kuvanhu nemuna Jesu Kristu.Nhoroondo yeBhabheri, zviprofita, uye nezvib****o zvakatsaukana zvanyorwa muBhabheri Kristu asati azvarwa panyika zvaitarisira kuuya kwake. Munhu hweMwanakomana waMwari, Muponesi wevanhu vose, kudzidzisa kwezvechitendero kwakasvika pamusoro. Mwari akazviratidza zvizere nemuna Jesu Kristu.Jesu akati, "...Wandiona ini, waona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti: Tiratidzei Baba? Hautendi Mashoko andinoreva kwauri, handirevi pachangu; asi Baba vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo" (Johane 14:9,10)

No comments:

Post a Comment